ZVIRI MUGAPU: Ravira matemba ane dovi

01 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Ravira matemba ane dovi Matemba ane dovi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MATEMBA ane dovi anonaka zvikuru uye unopedza mukonde wesadza nawo.

Tinowana iron, minerals nemapuroteni zvinova zvakakosha kuutano hwedu.

Svondo rino Vongai Guyo wekuMasvingo anotitsanangurira mamwe mabikirwo ematemba ane dovi.

Zvinodiwa:

Matemba akaomeswa, munyu, mafuta, dovi, hanyanisi, madomasi, chikari kana poto.

Mabikiro:

Fashaidza makomichi maviri emvura.

Nyika komichi imwe yematemba kuti apfave.

Ageze worasa mvura yacho kusvika achena.

Wozodii?

Isa chidumbu chechipunu chemafuta mupani.

Kanda hanyanisi dzawacheka ukange, wozokanda madomasi akachekwa zvekare,

Kana zvaita muto wakakora, chikanda matemba ako wochipindura zvine unyanzvi kuti asadimbuke.

Tora mvura shoma inotonhora wokurungira dovi.

Dira mumatemba ako wosiya zvichikwata.

Kanda munyu wakaringana wosandura kusvika zvaibva.

Kana zvaibva, unoona nemuto wakakora uye wakatsvukira.

Kana zvadai, chibura udye nemhuri. Unogona kudya nesadza, mupunga kana chingwa, aiwa isarudzo yako!

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti: +263 773 394 753 kana kuti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links